Here is list of Tsumo dzeChiShona which start with the letter M
- Machongwe maviri haakukuridze pamutanda mumwe.
- Made echakata kutsvukira mumuti kuti ndiposherwe.
- Made etsvimborume okudya yakawaridza.
- Mai musuva usingasevi muto.
- Maisvokwadzo nyemba kutsva dzarungwa.
- Mazichimbochimbo anofara musi wafa kondo ziso.
- Makata anoshura materu.
- Makunguo zvaakatya akafa mangani.
- Makunun’unu maodza nyemba.
- Manakira kure mvura yemubvumbi.
- Manatsa mukanwa ndonda kurota ichiyamwa.
- Manenji kuona kamba ichitamba nembudzi.
- Mangachena inoparira parere nhema.
- Manomano emuroyi kunyepera kutya dzvinyu akasungirira nyoka muchiuno.
- Manyengedza pfungwa efodya kuzadza dama nehutsi husingasviki kuguru.
- Manzwi induru inouraya.
- Mapudzi anovira kusina hari.
- Mari ine chitema.
- Matakadya kare haanyaradzi mwana.
- Matanda makuru mazunguniswa.
- Matende mashava anovazva doro.
- Matukirwo ababa kunema mwana.
- Matsotsi haagerani.
- Mazivakwake-mazivakwake matoto echapungu.
- Mazvake-mazvake kudya kwembada.
- Mazvokuda kufa namaronda enyora.
- Mazvokuda mavanga enyora.
- Mbavha imbatwa, mbavha-rutsoka ishamwari.
- Mbeva zhinji hadzina marishe.
- Mboko chena yakaparira parere mhema.
- Mbira yakashaya muswe nekutumira.
- Mbiri matende inoputsika.
- Mbudzi inodyira payakasungirwa.
- Mbudzi kudya mufenje kufananyina.
- Mbudzi yazvarira pavanhu yati nditandirwe’mbwa.
- Mbudzi yemurombo haibereki.
- Mharadzano dzakabva munzira.
- Mhembwe rudzi kuzvara mwana ane kazhumu.
- Mhondoro kurura inotanga wayo.
- Mhosva haiori.
- Mhosva inorondwa hakuna mhosva yakaita honye.
- Mhuno hainwi mvura muromo usina kunwa.
- Minwe misiyanwa.
- Miromo yavakuru haiviri pasi.
- Miti inomera pamwepo hairegi kukwizana kana kune mhepo.
- Mombe yekukumbira ndeyekukama wakaringe nzira.
- Mombe yenjeni kutokama wakasungira.
- Moyo chena unobayisa.
- Moyo muti unomera paunoda.
- Mucheri wegurwe mutevedzeri, mudimbidziri anorasa mwena.
- Muchero wegudo unodyirwa kupedza.
- Mudzimu vakupa ronda vati nhunzi dzikudye.
- Mudzimu waro bonga kuwana huku dzichirwa.
- Muenzi haapedzi dura.
- Mugoni wepwere ndeasinayo.
- Mugoti unopiwa anyerere.
- Mukadzi oda kuramba murume anoshereketa.
- Mukono usingarwi unovanza ndowe nekukuma/nekumhanya.
- Mukuru mukuru hanga haigari pfunde.
- Mukwasha mukuyu haapere kudyiwa.
- Munhu akanaka haararame.
- Munhu haarerwi nebonde.
- Munhu kufamba kunenge kukavira nyimo, kutizira kuchinge kudyara nzungu, kucheuka kukange kutsindire’shwa.
- Munhu akatsiga anozviganhura pakunwa hwahwa.
- Munongedzo hauzvinongedzi.
- Munyai mutumwa, muridzi wesoko ndiwe.
- Muonerapamwe chuma yemuzukuru.
- Muramba kukombwa muramba hweni.
- Muramu inzungu yakateya gonzo.
- Murimi anodya amire.
- Murombo haarovi chine nguo.
- Murombo munhu.
- Muromo chipfukuto unopedza matura.
- Muromo haupi chinopa maoko.
- Muromo hauzarirwi nerwizi.
- Muromo kapako kekuhwanda nako.
- Muromo vavakuru hauviri pasi.
- Muroyi hana mugoni.
- Muroyi munhu kubayiwa anochemawo.
- Muroyi ndishe.
- Muroyi royera kure ugowana anokuviga.
- Murume akanaka asiri wako.
- Murwere haaeri.
- Mushambadzi haagari pasi.
- Musanyengerera makudo neanokamhina.
- Musha mukadzi.
- Mushonga haubati pasina ronda.
- Musikana chihambakwe asvika anokanda chibwe.
- Musikana isango rehuni rinotsvagwa naani nani.
- Musikana ishavhi, anoteverwa neshiri.
- Muswe wekutumira haurebi.
- Muto wetsenza ndiwo mumwe.
- Mutoro unorema wasvika.
- Mutsa worutsoka kuperekedza ziso.
- Mutumwa haana mbonje.
- Muzivi wenzira yeparuware ndiye mufambi wayo.
- Muzvimbirwi ndiye nyakurwa nesasa.
- Mviromviro yemhanza inotanga shosha.
- Mviromviro yemhanza mapfeka.
- Mvura bvongodzeke ndiyo garani.
- Mvura haitori warema.
- Mvura inoera usinayo.
- Mvura inonaya yatanga hore.
- Mvura inoshinyira ndeiri pazambuko.
- Mvura yembambara tiza ichabva kure.
- Mwana asingachemi anofira mumbereko.
- Mwana mudiki in’anga.
- Mwana muduku kubvuma rwendo rwake ruri mberi.
- Mwana washe muranda kumwe.
- Mwana washe ndishewo, womuranda anochemberera muuranda.
- Mwana wengwe mwana wengwe kuona chikara haatizi.
- Mwana wenyoka inyoka haina muduku.
- Mwanasikana ndimapfumise.
- Mwoyochena weyi bere kugarira munhu akafa.