Zimbabwe Profiles Education,Guides,Local Tsumo dzeChiShona Dzinotanga na M

Tsumo dzeChiShona Dzinotanga na M

Tsumo dzeChiShona Dzinotanga na M post thumbnail image

Tsumo dzeChisShona Dzinotanga na M

Tsumo, or proverbial expressions, in the Shona language of Zimbabwe serve as insightful sayings. Individuals employ these expressions to impart wisdom, convey moral lessons, issue warnings, and inspire others. While some Tsumo have straightforward meanings, many contain profound wisdom that can be unraveled through thoughtful reflection. These sayings are significant as they encapsulate a wealth of knowledge about Shona culture and tradition.

 

Here is list of Tsumo dzeChiShona which start with the letter M

  1. Machongwe maviri haakukuridze pamutanda mumwe.
  2. Made echakata kutsvukira mumuti kuti ndiposherwe.
  3. Made etsvimborume okudya yakawaridza.
  4. Mai musuva usingasevi muto.
  5. Maisvokwadzo nyemba kutsva dzarungwa.
  6. Mazichimbochimbo anofara musi wafa kondo ziso.
  7. Makata anoshura materu.
  8. Makunguo zvaakatya akafa mangani.
  9. Makunun’unu maodza nyemba.
  10. Manakira kure mvura yemubvumbi.
  11. Manatsa mukanwa ndonda kurota ichiyamwa.
  12. Manenji kuona kamba ichitamba nembudzi.
  13. Mangachena inoparira parere nhema.
  14. Manomano emuroyi kunyepera kutya dzvinyu akasungirira nyoka muchiuno.
  15. Manyengedza pfungwa efodya kuzadza dama nehutsi husingasviki kuguru.
  16. Manzwi induru inouraya.
  17. Mapudzi anovira kusina hari.
  18. Mari ine chitema.
  19. Matakadya kare haanyaradzi mwana.
  20. Matanda makuru mazunguniswa.
  21. Matende mashava anovazva doro.
  22. Matukirwo ababa kunema mwana.
  23. Matsotsi haagerani.
  24. Mazivakwake-mazivakwake matoto echapungu.
  25. Mazvake-mazvake kudya kwembada.
  26. Mazvokuda kufa namaronda enyora.
  27. Mazvokuda mavanga enyora.
  28. Mbavha imbatwa, mbavha-rutsoka ishamwari.
  29. Mbeva zhinji hadzina marishe.
  30. Mboko chena yakaparira parere mhema.
  31. Mbira yakashaya muswe nekutumira.
  32. Mbiri matende inoputsika.
  33. Mbudzi inodyira payakasungirwa.
  34. Mbudzi kudya mufenje kufananyina.
  35. Mbudzi yazvarira pavanhu yati nditandirwe’mbwa.
  36. Mbudzi yemurombo haibereki.
  37. Mharadzano dzakabva munzira.
  38. Mhembwe rudzi kuzvara mwana ane kazhumu.
  39. Mhondoro kurura inotanga wayo.
  40. Mhosva haiori.
    Tsumo dzeChisShona Dzinotanga na M

    Jongwe [Image Credit: Britannica]

  41. Mhosva inorondwa hakuna mhosva yakaita honye.
  42. Mhuno hainwi mvura muromo usina kunwa.
  43. Minwe misiyanwa.
  44. Miromo yavakuru haiviri pasi.
  45. Miti inomera pamwepo hairegi kukwizana kana kune mhepo.
  46. Mombe yekukumbira ndeyekukama wakaringe nzira.
  47. Mombe yenjeni kutokama wakasungira.
  48. Moyo chena unobayisa.
  49. Moyo muti unomera paunoda.
  50. Mucheri wegurwe mutevedzeri, mudimbidziri anorasa mwena.
  51. Muchero wegudo unodyirwa kupedza.
  52. Mudzimu vakupa ronda vati nhunzi dzikudye.
  53. Mudzimu waro bonga kuwana huku dzichirwa.
  54. Muenzi haapedzi dura.
  55. Mugoni wepwere ndeasinayo.
  56. Mugoti unopiwa anyerere.
  57. Mukadzi oda kuramba murume anoshereketa.
  58. Mukono usingarwi unovanza ndowe nekukuma/nekumhanya.
  59. Mukuru mukuru hanga haigari pfunde.
  60. Mukwasha mukuyu haapere kudyiwa.
  61. Munhu akanaka haararame.
  62. Munhu haarerwi nebonde.
  63. Munhu kufamba kunenge kukavira nyimo, kutizira kuchinge kudyara nzungu, kucheuka kukange kutsindire’shwa.
  64. Munhu akatsiga anozviganhura pakunwa hwahwa.
  65. Munongedzo hauzvinongedzi.
  66. Munyai mutumwa, muridzi wesoko ndiwe.
  67. Muonerapamwe chuma yemuzukuru.
  68. Muramba kukombwa muramba hweni.
  69. Muramu inzungu yakateya gonzo.
  70. Murimi anodya amire.
  71. Murombo haarovi chine nguo.
  72. Murombo munhu.
  73. Muromo chipfukuto unopedza matura.
  74. Muromo haupi chinopa maoko.
  75. Muromo hauzarirwi nerwizi.
  76. Muromo kapako kekuhwanda nako.
  77. Muromo vavakuru hauviri pasi.
  78. Muroyi hana mugoni.
  79. Muroyi munhu kubayiwa anochemawo.
  80. Muroyi ndishe.
  81. Muroyi royera kure ugowana anokuviga.
  82. Murume akanaka asiri wako.
  83. Murwere haaeri.
  84. Mushambadzi haagari pasi.
  85. Musanyengerera makudo neanokamhina.
  86. Musha mukadzi.
  87. Mushonga haubati pasina ronda.
  88. Musikana chihambakwe asvika anokanda chibwe.
  89. Musikana isango rehuni rinotsvagwa naani nani.
  90. Musikana ishavhi, anoteverwa neshiri.
  91. Muswe wekutumira haurebi.
  92. Muto wetsenza ndiwo mumwe.
  93. Mutoro unorema wasvika.
  94. Mutsa worutsoka kuperekedza ziso.
  95. Mutumwa haana mbonje.
  96. Muzivi wenzira yeparuware ndiye mufambi wayo.
  97. Muzvimbirwi ndiye nyakurwa nesasa.
  98. Mviromviro yemhanza inotanga shosha.
  99. Mviromviro yemhanza mapfeka.
  100. Mvura bvongodzeke ndiyo garani.
  101. Mvura haitori warema.
  102. Mvura inoera usinayo.
  103. Mvura inonaya yatanga hore.
  104. Mvura inoshinyira ndeiri pazambuko.
  105. Mvura yembambara tiza ichabva kure.
  106. Mwana asingachemi anofira mumbereko.
  107. Mwana mudiki in’anga.
  108. Mwana muduku kubvuma rwendo rwake ruri mberi.
  109. Mwana washe muranda kumwe.
  110. Mwana washe ndishewo, womuranda anochemberera muuranda.
  111. Mwana wengwe mwana wengwe kuona chikara haatizi.
  112. Mwana wenyoka inyoka haina muduku.
  113. Mwanasikana ndimapfumise.
  114. Mwoyochena weyi bere kugarira munhu akafa.

Leave a Reply

Related Post