Zimbabwe Profiles Education,Guides,Local Tsumo dzeChisShona Dzinotanga na K

Tsumo dzeChisShona Dzinotanga na K

Tsumo dzeChisShona Dzinotanga na K post thumbnail image

Tsumo dzeChisShona Dzinotanga na K

Tsumo, originating from the Shona language of Zimbabwe, are profound sayings or proverbs. They serve as vessels of wisdom, imparting moral lessons, cautionary tales, and sources of inspiration. While some tsumo convey explicit meanings, many carry layers of deeper wisdom awaiting discovery through thoughtful contemplation. These sayings hold significant value as they encapsulate a wealth of knowledge about Shona culture and traditions.

Here is list of Tsumo dzeChiShona which start with the letter K.

  1. Kakara kununa hudya kamwe.
  2. Kamoto kamberewere kanopisa matanda mberi.
  3. Kamupungurunje kahove kanyama kasina muto.
  4. Kana rokwata roda kunoibva.
  5. Kana shumba ikashaya nyama inodya uswa.
  6. Kana wadya imbwa idya iri hono.
  7. Kandiro enda kandiro dzoka.
  8. Kandiro kanoenda kunobva kamwe.
  9. Kangoma kana koririsa kawa pedyo nekuda kubvaruka.
  10. Papadza keserima kanda papfudzi tiende muzinda.
  11. Kashiri kasingapambari hakanuni.
  12. Kuba ngoma kuri nyore, pokuiridzira ndipo panonetsa kuvana.
  13. Kubaya tange hama vatorwa vakutye.
  14. Kubikira mweni kumudzinga.
  15. Kubvongodza muto kuseva kweaguta.
  16. Kuchengeta imbwa yomweni kuda mwene wayo.
  17. Kuchenjedza nyamukuta kuzvara uchada.
  18. Kuda chemungozva kubata mwana.
  19. Kudada kwavari mugomo kukumbira vari pasi mapfiwa.
  20. Kudya chevapfupi nekureba.
  21. Kudyirwa munda nembwa sendakarima nyama.
  22. Kuera dziva igumbo ribodzi, makumbo ese unoerera.
  23. Kufa izuva rimwe, kuora igore.
  24. Kufa kweane hari anosiya mazonde.
  25. Kufa kwegonye matanda anosekerera.
  26. Kufa kwemurume kubuda ura.
  27. Kufira mafufu segonzo.
  28. Kugara nhaka kuona dzevamwe.
  29. Kugarika tange nhamo.
  30. Kugocha kunoda kwaamai kwemwana kunodzima moto.

Tsumo dzeChisShona Dzinotanga na K

[Image Credit: Britannica]


31. Kugona mbavha kuironzera/kuirongera?
32. Kukokwa kwasamusha kukokwa kwavagere naye.
33. Kukonwa kwedare kukonwa kwamambo.
34. Kukurukura hunge vapotsva.
35. Kunaka kwemurume imombe dzake.
36. Kunaka kwemurume kuri muhomwe.
37. Kungotya nyanga dzezizi nyamba manhenga.
38. Kunokanganwa mudyi wenyemba muoreri wamateko haakanganwi.
39. Kunosumwa iri mushunje, iri mumusakasaka inozvinzwira.
40. Kunzi pakata handi kunzi ridza.
41. Kupa kuturika.
42. Kupedza nyota kuenda padziva.
43. Kupfuma kwemuchana mudzimu wake.
44. Kupotsera dope, rimwe rinosara mumaoko.
45. Kuramba dzvuku kuona jena.
46. Kuramba nyama yechidembo hunge une yetsuro.
47. Kurava mbudzi nedzisipo kurava nedzava matowo.
48. Kuravidza chembere muto wegwaya mangwana inofira mudziva.
49. Kurayira kunoda pwere mukuru ndimambo.
50. Kure kwegava ndokusina mutsubvu.
51. Kure kwemeso nzeve dzinonzwa.
52. Kure ndokuna amai kune mukadzi unofa wasvika.
53. Kurembera kwedamba handiko kuwa.
54. Kurera imbwa nomukaka mangwana inofuma yokuruma.
55. Kurera imbwa rera inoruma igokudzivirira mupfumvu.
56. Kureva ndokunei, kutarisa kurevawo.
57. Kuriona guyu kutsvukira, mukati rizere masvosve.
58. Kurova imbwa wakaviga mupini.
59. Kurova tsuro negwenzi rayo.
60. Kurumwa nechekuchera.
61. Kurumwa netsikidzi rambira mumba, kubuda panze unorumwa mhuno nebere.
62. Kusakukurudza kwejongwe hakutadzisi zuva kubuda.
63. Kusaziva kufa.
64. Kuseka nhamo kunga rugare.
65. Kusekana kwaanakamba.
66. Kushaya hakunenerwi munhu denga ratarama.
67. Kusimbirira kurapa mhopo kumusana iwe une ziso rine mbonje.
68. Kusvasvanga kusvasvanga zvayo nzou…
69. Kutatarika humira.
70. Kutaura kudzikisira kuita makata.
71. Kutenda kwakitsi kuri mumwoyo.
72. Kuvhima uchidzoka shure unorasa hwema.
73. Kuvhunduka chati kwata hunge une katurike.
74. Kuwanda kwakanaka, kwakaipira mukupedza muto.
75. Kuwanda kwemaoko kunotsonza ndima.
76. Kuyewedza semhiripiri mukati izere uturu.
77. Kuziva mbuya huudzwa.
78. Kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira.
79. Kwamairidigikira ndiko kwomoringa benya, kwamairinga benya ndiko kwomoridigikira.
80. Kwave kusakara kwedowo serisakadyiwa nyama.

Leave a Reply

Related Post